Jesus, I My Cross Have Taken
1
Jesu, ndatora M'chinjikwa Kuti ndikuteverei; Kunyange ndiri kuzvidzwa, Muchave zvangu zvose. Ndichakutevera Jesu Makafira mhosva yangu, Kana vamwevokuzvidzai, Ndichakutevera bedzi.
2
Zvandaida ngazvipfuure Zvandaitsvaka zvose; Ndine pfuma isingafe, Ndina Mwari nedenga.
3
Venyika vangandizvidze, Vakatosiya Mwari; Vanhu vangandinyengedze, Imi, muri weidi.
4
Kana muchindifarira, 'She werudo nesimba, Vangandiseme vavengi, Muri chiedza change
5
Nhamo haindikuvadze, Ndichine rudo rwenyu; Rufaro rune rugare, Ndirwo runobva kwenyu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.