Who'll Be The Next
1
Ndiani achatevera Jesu? Atakura M'chinjikwa wake? Mumwe anoda, mumwe woenda, Ndiani wopfeka ngundu? Ndianiko, ndianiko, Achatevera Muponisi? Ndiani womutevera zvino, Jesu M'ponisi?
2
Ndiani achatevera Jesu? Chiuya umupfugamire, Ndiani achatura mitoro Pachipfugamo chengoni?
3
Ndiani achatevera Jesu? Achirumbidza zita rake? Ndiani woimba ruponiso, Achirumbidza Gwayana?
4
Ndiani achatevera jesu, Kunyange munzira yokufa? Asangane navadzikinurwi, Voimba vari mhiri'yo?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.