Ten Thousand Souls
1
Zviuru zvizhinji, zhinji Zviri muUmambo; Zvavo vakapinda, asi Vamwe vane nzvimbo. Uya, uya enda neni Kunzvimbo yokufara; Uchazopiwa upenyu Husingazoperi.
2
Kune nzvimbo yezvirema, Pamwe navatadzi; Jesu wakaita izvi Ari paMchinjikwa.
3
Kune nzvimbo yomutadzi Asingambotendi; 'She wakaponisa mubi, Achakuponisa.
4
Navo vanotsvaka nzira Kuti vanyaradzwe; Ngavazive kuti Kristu Angavanunure.
5
Neniwo, ndine chokwadi Kuti ndine nzvimbo; Naizvozvo ndichaimba Nezvoruponiso.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.