1
'YE WANGU My Jesus I Love Thee
2
Jesu ndinokudai, muri 'ye wangu, Ndinosiya zvose nokuda kwenyu; Muri Mununuri, Mponisi wangu, Ndinokudai Jesu, ndokuda zvino.
3
Ndinokudai nokuti makandida, Matenga rudzikinuro paK'vhari; Ndinokudai makapfekedzwa minzwa. Ndinokudai Jesu, ndokudai zvino.
4
Ndinokudai muupenyu, nomurufu; Ndokurumbidzai nokusingaperi; Nomusi wokufa ndichazoimba; Ndinokudai Jesu, ndokudai zvino.
5
Mazambara orufaro ikoko, Ndichazonamata pasuo hwenyu; Ndichazoimba nengundu pamhanza; Ndinokudai Jesu, ndokudai zvino.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.