O God, What Offering Shall I Give?
1
O Mwari, ndokupeiko, Ishe wedenga nenyika? Mweya, nenyama gamu'chirai, Chipo chitsvene, chipenyu, Kunyan ge chiri chiduku, Ndinopa zvose kwamuri.
2
Zvino, kana wangu mweya, Hausisiri wangu, sva; Uchengetei uve wenyu, Ufadzisei, ubvirise; Mweya wangu uratidze Kubwinya kwezuva renyu.
3
Tiratidzeiwo zvamuri, Kuti tigokurumbidzai Tipei ungwaru, norudo, Tizadzisei noutsvene Hunopfuura goridhe, Hunokunda nyamatsatsi .
4
Ndipeiwo simba roMweya, Sezvo ndine zita renyu; Pfungwa dzangu, namabasa, Mamuri zvigoungana. Rudo rwenyu, misi yose, Ngarurumbidzwe Ishe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.