Lord, Through The Blood
1
Ishe ner opa rakaparadzwa, Ndishambidzwe ! Zvino pamhosva yezvakaipa, Ndishambidzwe! Ndaive mutadzi wakaipa, Kazhinji ndakundwa nokui pa, Asi, nezwi renyu ndinovimba, Ndishambidzwe!
2
Ndaichema nazvo zvakaipa, Ndishambidzwe! Zvidzikinurwechose neropa, Ndishambidzwe! Chivimbiso chenyu 'She ndotenda, Zvandauya munondigam'chira, Kuti ndisanyadzwe nokuipa, Ndishambidzwe!
3
Pakukahadzika kunonetsa, Ndishambidzwe ! Pakutya kwose kunondishusha; Ndishambidzwe ! Jesu kunyangwe ndisingazive, Ndichitenda ngandishambidzwe, Nezwi netsitsi dzenyu ndomira, Ndishambidzwe !
4
Kubva mukutya zvinotaurwa, Ndishambidzwe ! Ndigopupura pasina kutya, Ndishambidzwe Ishe , norudo ndisimbisise, Ndiri wenyu, vose ngavazive; Kana ndichiyedzwa ngandiimbe, Ndishambidzwe !
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.