Bhaibheri

Jesu Kritsu Munodiwa

Salvation Army · Nziyo · 235

Precious Jesus O To Love Thee

1

Jesu Kritsu, munodiwa, Ndinoti, muri wangu; Kana muchiugamuchira Ndokupai mwoyo wangu. Hareruya, ndaponiswa, Ngaritendwe Gwayana; Ropa rake raparadzwa, Iro randishambidza.

2

Torai rudo rwangu rwose, Pfungwa, nendangariro; Chizadzei chimiro change NoMweya wenyu zvino.

3

Ndinobata nguwo yenyu, Ndotambidza maoko; Ndinoda kuti ndipihwe Kurapwa norunako.

4

Rudo rwenyu, Muponisi, Runondizadza mwoyo; Zvaitwa, ndahugam'chira Utsvene hwenyu zvino.

5

Zvino, ndiri munhu mutva, Noupenyu hutsvene; Mweya wangu wavandudzwa, Ndina Kritsu amene.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.