O Boundless Salvation
1
Ruponiso kwazvo! gungwa rorudo, Nengoni dzaJesu dzedenga uko, Dzingasunungure nyika 'yi yose, Dzokwanira vose, ngandinunurwe.
2
Ndine zvakaipa zvizhinji zhinji Pamusana pazvo ndine misodzi; Asi misodzi 'yo haikwanire; Ndingashambidzike neropa chete
3
Ndasungwa nezvivi, handingakunde, Zvinondiitisa zvandisingade; Asi narwo rudo netsitsi dzaShe, Ndingasunungurwe, ngandinunurwe.
4
Zviripo zviedzo zvinondityisa, Mumisi yangu handina kufara; Asi Muponisi angandiite Kuti ndifadziswe norudo rwake.
5
O Gungwa retsitsi, gungwa rorudo, Ndaida kupinda mumvura mako. Zvakare ndauya, ndisadzokere Ndisati ndapinda kuti ndichene.
6
Zvino ndinopinda muna 'yo mvura Ndinonzwa M'ponisi achindidana; Ndinosimbaradzwa ndichishambidzwa; Ndapinda mairi, yondishambidza.
7
Zvino, Hareruya! Ose mazuva Anozoshandiswa kumurumbidza, Iye wakaita gungwa rorudo Kuti rikwanire ini nemiwo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.