Bhaibheri

Ndinomira Ndichishamiswa

Salvation Army · Nziyo · 247

I Stand All Bewildered

1

Ndinomira ndichishamiswa Kuona gungwa rorudo, Rokwidibira mweya wangu, Sorunyararo rwenjiva. Muchinjikwa wakwidibira Zvakaipa zvangu zvose, Ndovimba naJesu nazvose, Ndinoita kuda kwake.

2

Ndorwisa kuti nditore Simba rokusunungurwa; Asi pandakaguma kurwa, Jesu wakandinyaradza.

3

Wakandibata, ndikapona, Mukurwadzwa kwangu kwose. Ndakabata hanzu yaJesu, Mweya wangu ukapenya.

4

Ishe worugare wopfuura, Uso hwangu hwovhenekwa; Asi, inzwa, anotaura: "Ndokupa rugare rwangu."

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.