Bhaibheri

Ndipei Rutendo Kubisa

Salvation Army · Nziyo · 264

Give Me The Faith Which Can Remove

1

Ndipei rutendo kubisa Makomo o'upenyu hwangu; Mundipe rudo rwomwana Rwokushandira 'She wangu; Rudo rwenyu ngarukunde Mwoyo wangu munazvose.

2

Ndoda chido chakasimba, Ndipeizve kutsungirira, Vaponiswe vakaipa, Vabvutwe kubva mukufa, Varegerwe naMwari Vanunurwe noM'ponisi.

3

Ngandisaparadze nguva, Asi, kushandira vamwe; Misi igoshandisirwa Avo vasingamuzive Ndishande nom'towo wavo Rudo rwenyu ruve navo.

4

Zvipo zvangu zvose, Ishe, Mumaoko zvigam'chirei, Ndigare ndichiparidza Zita renyu ndorikudza; Nguva yangu ngaipere Mukuparidza Jesu 'She .

5

Ndizadzisei mwoyo Ishe Norudo rwenyu rweDenga; Kuti ndisimbararezve, Ndivade sokwenyu kuda; Kuti ndigogarufudza,

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.