Bhaibheri

'she Worudo Nesimba

Salvation Army · Nziyo · 289

Lord Of Life And Love

1

'She, worudo nesimba, Panguva ino tsvene, Tozvipira kwamuri Nemisi inouya.

2

Tinoda kuterera, Titume, 'She, kunorwa, Toenda tisingatye Kunorwa nomuvengi.

3

Basa mberi iguru, Totungamirwa nemi, Muzviyedzo zvikuru, Nesimba tichakunda.

4

Zviri, kutya, nenyadzi, Zvonyangadza muviri; Rufaro toparidza, Vatadzi vaunzwewo.

5

Vadzidzi vakabvuma Kusiya zvose zvavo; Pavakafamba napo Tifambe tisingatye.

6

Ishe mutungamiri, Tipei Mweya Mutsvene, Chengetai tsoka dzedu Munzira youpenyu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.