To The War! To The War
1
Kundorwa ! kundorwa! Tadanwa nemhere; Ngatiende tose, kana tisingatye; Onai zviuru zvavo varasiki, Ndiani woenda nezita raIshe?
Chorus
Irwai! Irwai ! Irwai ! Irwai ! Nemoto neRopa; Hatichaneta, Dakara asvike Jesu.
2
Kundorwa ! Kundorwa ! ndovapiko varwi? Anodaidza kuti murwe ndiMwari; Kunyange hondo yemhandu ichityisa, Mauto aJesu vanozokunda.
3
Kundorwa! Kundorwa! Inoridzwa Mhere; Ndiani anouya kurwira Ishe? Mwari achatipa masimba makuru, Ndiani worwa musimba reJesu
4
Kundorwa ! Kundorwa ! munhu wose inzwai ! Yamura vanofa tsvaka varisika; Vakadavira kare vanofarisa, Voimba :nesu toenda kundorwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.