I'M A Soldier Bound For Glory
1
Ndiri uto roM'ponisi, Ndinoenda kudenga; Tererai shoko rangu, Uyai vadikanwa. Ndinomuda Muponisi Ndinomuda ndodaro, Ndinomuda wandifira, Jesu anondidawo.
2
Ndokuudza chokonzero Chakandiita uto : Rudo rwoM'ponisi wangu Rwandikunda mumwoyo.
3
Pakutanga kwangu kurwa, Vakati : achatiza; Asi vakakanganisa, Ndicharamba ndichirwa.
4
Ndinoshamisa vazhinji; Musanduri ndiMwari, Zvino ndinomurumbidza Nokuti muyamuri.
5
Pakusvika kwangu ini Pakurova rwokufa, Ndoyambuka ndichiimba : Hareruya ! ndakunda
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.