Jesus With What Gladness
1
Jesu, norufaro ini ndoimba : Mununuri wangu, mambo nehama; Muri wangu chose; zvino ndopira Upenyu nazvose kwamuri moga. Zvose ndozvipira, kana zvichishoma. Upenyu nenguva, zvitorei Jesu Zvose ndozvipira, kana zvishoma Upenyu nenguva, zvitorei Jesu.
2
Ndinozove murwi, nokurwisana. Nokuipa kwose, idi kurwira; Jesu ndiyamurei kutsungirira, Kuti ndibatsire varasika.
3
Ndichave mufambi, ndisina kutya, Pane nhamo dzenyu ndichatevera; Pane nzira duku, wotungamira, Kana kune rima kune'ro zuva.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.