Bhaibheri

Jehovah Mufudze Wangu

Salvation Army · Nziyo · 32

The Lord's My Shepherd

1

Jehovah, Mufudzi wangu, Anondigarisa, Mumafuro nepamvura Inondifadzisa.

2

Anorapa mweya wangu, Kuti ndifambiswe Pane nzira dzenduramo, Nezve zita rake.

3

Kunyange ndiri pakufa, Handina chokutya, Nokuti imi muneni, Nokundinyaradza.

4

Tafura yangu yazadzwa Pavanondivenga; Musoro wangu wazodzwa, Mukombe wazara.

5

Tsitsi dzenyu norunako Zvinoenda neni; Ndichazogara naMwari Narinhi, narinhi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.