Bhaibheri

Ngandive Temberi Yenyu

Salvation Army · Nziyo · 328

I Would Be Thy Holy Temple

1

Ngandive temberi yenyu Tsvene, yamunogara, Hapana zvondinyangadza Sezva munondigadza. Torai up enyu, She ndozvideredza Ndichizvipira kwamuri Gam'chirai diramhamba

2

Ngandipupure nemi, 'She, Ndikuteverei chose; Ndichiita zvivimbiso, Ndinokupirai zvose

3

Nguva, zvipo noutano, Zvose zvichave zvenyu; Mwoyo, chido, ndangariro, Ndozvipira, ndezvenyu.

4

Ndipei mwoyo womutsa, Unotongwa norudo; Kuti ndiuyise vamwe, Pfuma yenyu vazive.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.