Bhaibheri

Muchikomborera Vamwe

Salvation Army · Nziyo · 352

Lord, I Hear Of Showers Of Blessing

1

Muchikomborera vamwe, Musandipfure Ishe; Mwoyo wangu unenyota, Munditonhodze Ishe,

Chorus

'She wangu, 'She wangu, Ndokomborerei, 'She wangu.

2

Nguva ndefu ndokotsira, Ndichikuzvidzai Ishe, Ndakabatwa nezvenyika, Ndiregererei Ishe.

3

Musandipfuure, Baba, Nyangwe ndiri mutadzi, M'ponisi musandisiye, Asi ndinzwirei tsitsi,

4

Mweya wamasimba ose, Mundiite ndione; Ndiri bofu, ndiyamurei, Ndisimbisei Ishe.

5

Rudo rwaMwari rutsvene, Ropa roMuponisi; Ngoni dzaShe dzisingafe Ngazviwanzwe mandiri.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.