Bhaibheri

Hama Yedu Ndiye Jesu

Salvation Army · Nziyo · 368

What A Friend

1

Hama yedu, ndiye Jesu, Watakudzwa kuipa; Tapihwa kuti tiuye Kwaari nokuteura Runyararo hatiwane, Tinotambudzwa kwazvo, Nokuti hatitakure Zvose nomuteuro.

2

Takanetswa nokuedzwa Tinotambudzwa here? Ngatirege kutsutsumwa, Teura kuna Ishe; Aripo wakatendeseka, SaJesu anetsitsi? Waziva hweu utera, Teura kuM'ponisi.

3

Tinoremerwa zvikuru Zviripo zvinonetsa M'ponisi ibako redu, Kuna iye teura; Hama dzako dzakuzvidza? Teura kuna Ishe; Mumaoko wochengetwa. Uchazo rodzwa naye.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.