Bhaibheri

Mwari Ngaakudzwe

Salvation Army · Nziyo · 4

To God Be The Glory

1

Mwari ngaakudzwe nebasa rake, Norudo wakatipa mwana wake, Wakafira kudzikinura zvivi, Nokuzarura suo reupenyu. Kudza ;She! Kudza 'She! Nyika ngaimunzwe; Kudza ;She! Kudza 'She! Vanhu ngavafare; Uyai kuna Baba nokuna Jesu, Kudzai nezvakaitirwa isu.

2

Ruregerero rutsvene rweropa, Kumutendi chivimbiso chaMwari. Mutadzi mukuru akangotenda, Owana ruregerero rwaJesu.

3

Wakatidzidzisa zvinhu zvikuru Norufaro rwedu muna Jesu, 'She, Rufaro rwedu ruchave rukuru, Kana toona Jesu mumakore.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.