Once In Royal David's City
1
Muguta raShe Dhavhiti, Maive nedanga'mo; Amai pavakarinza Mucheche muchidyiro; Maria ndivo mai Jesu,She, mwana wavo.
2
Iye, wakabva KuDenga, Mwari wavanhu vose; Wakazvarirwa mudanga, Muchidyiro arere Muponisi wakarara Navarombo navasina.
3
Nomuhwana hwake hwose, Wakaterera ivo, Wakadisa amai vake, Navo wakayarutswa. Nevana vechiKristu, Vaterere saiye.
4
Muenzaniso wavana; Wakakura sesuwo; Muduku asina simba, Waichema sesuwo Anonzwa kusuwa kwedu, Pamwe norufaro rwedu.
5
Isu, tichazomuona, Nokununurwa naye; Mwana uyo wakapfava, NdiMambo kudenga'ko. Wotungamira vana, Kwaari'ko kudenga.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.