Bhaibheri

Mukaiwo Makristu

Salvation Army · Nziyo · 56

Christians Awake

1

Mukaiwo maKristu, Kwaedza, Muponisi wepasi wazvarwa! Simukai rumbidzai rudo Rwakaimbwa nengirozi dzose; Rufaro rwemazwi okutanga, Emhandara noMwana waMwari.

2

Vafudzi vairinda vakanzwa Mazwi ayo ngirozi, ichiti: Ndozivisa kuzvarwa kwaIshe Kwamuri nokumarudzi ose; Mwari wazadzisa chivimbiso Nhasi M'ponisi, Kristu, wazvarwa!

3

Ngatirangarirei mumwoyo, Mwari wakanunura marudzi! Tsvakai Mwana wakatinunura, Kubva muzamba, kumuchinjikwa; Famba munhanho, nengoni dzake, Dakara tive sepakutanga!

4

Ngatifarisewo sengirozi Tiimbe rumbo rwokununurwa: Uyo wazvarwa zuva ranhasi Achiratidza kubwinya kwake, Watiponisa toimba nziyo, Dzisingagume kunaMambo wedu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.