It came Upon The Midnight Clear
1
Rwakaimbwa pausiku, Rwiyo karekare, Nengirozi dziri pasi Namarimba adzo; Rugare kuvanhu RwaMambo wedenga, Nenyika murunyararo Ngainzwe ngirozi.
2
Muzvivi nomudambudzo Nyika yatambura; Kwapfura nguva refu, Ngirozi dzaimba. Vanhu muhondo havanzwi Rwiyo rwune rudo, Nyararai imi varwi, Inzwai ngirozi.
3
Mazuva anopfura, Sezvaakaprofitwa; Nokufamba kwenguva Rugare rwouya, Runyararo pasi pose Serwe kare kare, Nyika ichazoimbazve Rwiyo rwengirozi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.