Hark! The Herald Angels Sing
1
Tererai, ngirozi, Dzinorumbidza Ishe; Rugare ruve panyika, Vanhu vawadzaniswe. Farai, marudzi ose, Nengirozi dzokudenga, Pamwechete tiimbe: Wazvarwa muBhet'rehem.
Chorus
Tererai, ngirozi, Dzinorumbidza Ishe.
2
Anokudzwa nedenga, Kristu, 'She, asingafe, Anouya kuvanhu, Wazvarwa nemhandara; munhu, asi ndiMwari, Mukwazise ndiMwari, Wakada kuva munhu, Jesu ndiye Mwari.
3
Tomukwazisa Mambo! Kwaziwa zuva dzvene! Anounza chiedza, Chinorapa varwere. Wakasiya kubwinya, Vanhu varege kufa; Iye wakazvarirwa, Kuti vazvarwe patsva.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.