Bhaibheri

Mwari Wedenga Napasi

Salvation Army · Nziyo · 7

O Lord Of Heaven And Earth

1

Mwari wedenga napasi, Ngakuve norurumbidzo; Toratidza rudo sei: Mupi wazvose.

2

Runyararo rwemudzimba Namakomborero ose; Tinotenda, tokurumbidzai; Mupi wazvose.

3

Makapira Mwana wenyu, Kunesu tose vepasi; Mwana wenyu mumwechete: Makapa zvose.

4

Munopa Mweya Mutsvene, Mweya worudo nesimba; Nengoni dzakawandisa, Nokwatiriwo.

5

Mukununurwa muzvivi, Ndiyo nzira youdenga ; Baba varumbidzwe zvino; Mupi wazvose.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.