1. Tarisa zvino Gwayana
1
Ari paMuchinjikwa; Atiparadzira ropa Ari paMuchinjikwa. Inzwa izwi rake zvino; Iwe unofarireiko? Ona paanofarapo, Ari paMuchinjikwa.
2
Tarisa maoko ake, Ari paMuchinjikwa; Tarisa kudivi rake Ari paMuchinjikwa. Zuva raramba kupenya, Nokudenga kunosviba, Jesu worwa nokuipa Ari paMuchinjikwa.
3
Zvino vanomusimudza Ari paMuchinjikwa; Anokunzwira kusuwa, Ari paMuchinjikwa. Makomo anodedera, Kana Jesu achiita Rudzikunuro rwenyika, Ari paMuchinjikwa.
4
Zvino mabasa aitwa Ari paMuchinjikwa; Kurwa kwapera wakunda; Ari paMuchinjikwa. Anotarisa kudenga, Iye anoti: Zvapera! Anokotama ndokufa Ari paMuchinjikwa.
5
Kwose ndichaudza nyaya YoMuchinjikwa wake; Hapana chinondifadza, SoM'chinjikwa wake. Misi yose ndichareva, Panyika napakudenga, Kuti Jesu wandifira Ari paMuchinjikwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.