1
REKARIVHARI Come With Me, Visit Calvary
2
Uyai, tishanyire Gomo reKarivhari; Pane tsime rizere Ropa roM'ponisi; Kubva kuzvakaipa Anotinunura, Zve, anovachengeta Vanomutevera.
Chorus
Anoponisa kwazvo, Anoponisa kwazvo, Tendai zvino, Torai rudo, Anoponisa kwazvo.
3
Ruponiso rwaMwari Zvino mungapiwe, Rudzikinuro rwedi; Mungarugam'chire; Uyai nokutenda Kuti mugam'chidzwe, Tarisai kudenga Kuti mumuzive.
4
Kuda kwake ndoita, Zvino ndozvipira; Iye wonditsvenisa, Naye ndozadziswa, Ndotenda ndaponiswa, Wandikomborera; Mweya wake wauya, Mwoyo wangu mutsva.
5
Ndinarwo runyararo, Ndinarwo rufaro, Ndinarwo ruzororo, Ndinarwo rukundo, Anondipa upfumi Husingaverengwe; Zvinoshamisa sei, Mwari ngaakudzwe!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.