Bhaibheri

Uyai Moune Iye M'ponisi

Salvation Army · Nziyo · 84

O Com, And Look Awhile

1

Uyai muone Iye M'ponisi wakatifira; Ngatitarise, ticheme, Jesu anorovererwa .

2

Zvanza netsoka zvasungwa; Muromo wake waoma; Maziso ake adzima; Jesu anorovererwa.

3

Toramba kumunzwa here? Tingamuseke Mutsvene? Watakura mhosva dzedu, Jesu anorovererwa.

4

Tinovimba noM'chinjikwa; Tsime rerutivi rwake Rinoshambidzika kuipa; Jesu anorovererwa.

5

Rudo rwaMwari nezvivi, Zvino zviri kurwisana; Asi rudo ruchakunda, Nokuti 'She watifira.

6

Vanokumbira vopiwa Mwoyo wakapfava chose; Mumwoyowo wakapfava, Anogaramo Jesu, 'She.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.