Bhaibheri

Tenzi Kuri Kuvhuvhuta

Salvation Army · Nziyo · 94

Master, The Tempest Is Raging

1

Tenzi, kuri kuvhuvhuta, Gungwa rave nehasha, Nedenga rose ratosviba, Hatina pokuhwanda; Motirega here tife? Mungarare sei? Nguva yose yototyisidzirwa, Gungwa ringave guva. Mhepo negungwa zvonditerera, Nyarara!Nyarara! Kana kushatirwa kwegungwa, Mashave, vanhu , kana chii, Mvura hainganyudze ngarava, Murere Tenzi wegungwa, napasi, Zvose zvichanditevera Nyarara! Nyarara! Zvose zvichanditevera Chinyarara.

2

Tenzi neshungu mumwoyo, Nhasi ndozvideredza; Kusuwa kwemwoyo kwondinetsa, Mukai mundiponese. Masaisai ezvivi Ave kundinyudza; Ndoparara here, Tenzi wangu? Ndibatsirei zvino.

3

Tenzi, kutya kwakazopera, Nedutu ranyarara, Zuva ropenyawo munyanza, Denga mumwoyo mangu; Mununuri garai neni, Musandisiyezve, Norufaro ndichazosvikako, Kumusha, ndozorora.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.