Jesus shall Reign
1
Jesu achatonga kwese Kunovhenekera zuva; Ushe hwake huchagara, Dakara rinhi narinhi.
2
Marudzi ose evanhu Anoimba rudo rwake; Nawo mazwi avadiki, Anokudza zita rake.
3
Anawo makomborero, Vasungwa vanonunurwa; Vakaneta vozorodzwa, Varombo vokomborerwa.
4
Paanoratidza simba Kurapa hapana rufu; Maari vanhu vowana Makomborero mazhinji.
5
Zvisikwa zvose zviunze Rukudzo kuna 'She Mambo, Ngirozi dziburukire Dziimbe pamwe nenyika.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.