Bhaibheri

Murindi Ndiudze

SDA · Nziyo · 154

Language

1

M’rindi nditaurire Nekuyedza kweZioni Zvioniso zvekuuya kwake Zwaonwa here M’fambi simuka ona Kunze koda kuyedza Zvipfekedze nguwo dzako Kwaedza chimuka

2

M’rindi, ona kupenya Kovhenekera zvese Zvionso pasi rese Manenj’ emusi m’kuru Apo tsuri inorira Kum’tsa vese vakafa Kubva munyika ne nyanza, Vapfeka kusaora

3

Murindi ona kupenya, Kwegore reSabata Vese vanodaidzira, Umambo hwave petyo Mufambi ndoona mbiri Nyikayo yeKenani Nemusha wakanakisa, Wakakwirira kwazvo

4

Muguta’ro rendarama, Pachigaro chopenya Pana mambo akanaka Otonga nyika yese Umo mumakomo ayo, Maranzi anopenya Mumhendero menzizidzo Munokura maruva

5

Murindi nyika yapetyo, Michero nemaruva O mhiriyo kunofadza Mitiyo ye Edeni Inzwa mavi anoimba Owungira mumweya Ne mazana anoimba Tese tichazo vako

Also in the app in Venda, Tonga, Ndebele. More languages in the app

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.