Uya! Mufambi, Uya
SDA Nziyo 204
1
Munyika mauri urimufambi Inzwa wodaidzwa Mwana! Wangu
Chorus
Uya! M’fambi uya! Uya kumusha! Wakapumhuka kure, uya kumusha
2
Kunyika yenzara, Ibva kwairi Uya kurufaro, Mwana wangu!
3
Nyika yemirenga, wongwarira iwe Waneta momwoyo, mwana wangu
4
M’siwo wakashama, uchiri wangu! Ndichirikukuda mwana wangu
5
Wapumhuka kure, woenda mberi? Dzok’ usunungurwe, mwana wangu!
6
Kudya kwagadzirwa, unodikanwa! Uya kuzororo, mwana wangu!
7
Hauna shamwari, kana nemusha Ndichirikukuda, mwana wangu!
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.