Ndapa Upenyu Hwangu Kwemuri
SDA Nziyo 206
1
Ini ndakufira, Nda’paradza ropa Kuti utengiwe, Upiwe upenyu Ini ndakakufirazve, Iwe wandipenyi? Ini ndakakufirazve, Iwe wandipenyi?
2
Ndakasiya umba, Yababa yembiri Ndakauya pasi, redima nenhamo Ndakazvisiira iwe, Wakandisiirenyi? Ndakazvisiira iwe, Wakandisiirenyi?
3
Ndakatambudzika, zvinorwadza kwazvo Pamusana pako, kuti ununurwe? Ndakazvitakurira’we, Wanditakurirei? Ndakazvitakurira’we, Wanditakurirei?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.