Bhaibheri

Kure Senyi Kumusha?

SDA · Nziyo · 5

Language

1

A kurekure kumusha? Ndabvunza murindi, ati, Usiku hurikupera, Kwakuda kuyedza. Usacheme, kurumidza, Mutewere, kusimbira; Muchasvika mukupenya Hakuna kupera.

2

Ndabvunza kune mukani, Anerwiyo rwekushinga, Ngekushinga ndinokana, Hondo ichapera. Musacheme, mutiwire, Dakara basa rapera, Tinoziva tinechipo, Kuti takurira

3

Ndabvunzazve pasi, zuva, Zvese zvakandipindura; Nguva irikundopera, Jesu anouya. Musacheme, zviwoniso zve Zviri kutinyewera, Zvisikwa zvese zvinoda Tsuri imborira.

4

Tiripatyo nekumusha, Kunofadza kutondera Chifarai imwi vafambi, Bvisanyi’wo kutya. Musacheme, tisangane Apo kusina kuneta, Zviyedzo’zvo zvakapera, Tasvika kumusha

Also in the app in Venda, Tonga, Ndebele. More languages in the app

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.