Bhaibheri

Jesu Wangu Ndinokuda

SDA Nziyo 62

1

Jesu, ndinokuda muri wangu’wo Ndinosiya zvese zvakaipa’zvo Mununuri wangu Muponesi’wo Kuti ndakakuda, asi nazvino

2

Ndinomuda ngekuti mwakandida Pamuchinjiko mwakandiponesa Pamsana pangu mwakatambudzwa’po Kuti ndakakuda, asi nazvino

3

Kana muupenyu, kana mukufa Ndichakuda Imwi, mwandiponesa Ndichiti, apo ndabatwa nerufo Kuti ndakakuda, asi nazvino

4

Kumusha kwembiri, kunofarisa Ndichakudza Imwi ikwo kudenga Kudenga ndichaimba urwo rwiyo Kuti ndakakuda, asi nazvino

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.