Bhaibheri

Tinomira Senyi Murutongwa

SDA Nziyo 70

1

Apo Jesu anounganidza Vanhu vese pamberi pake Tinomira senyi mukutongwa Pamusi werumuko rwake?

Chorus

Achaunganidzira mapfunde Asi anopisa hundiwo Tinomira senyi murutongo Rwemusi mukuru uyo?

2

Tinonzwa here inzwi raJesu Muranda wakanaka iwe Zvimwe tinodedera nekutya Tinobviswa pahope yake

3

Ndizvo ngatirindire nemwenje Iri kupenye zvakanaka Kuti apo mukwambo auya Tagadzirira kundopinda

4

Mwoyo yedu irikunangisa Apo Jesu ari kudenga Tinombo mirira nekutiwa Dakara rwendo’ru rwapera

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.