Bhaibheri

Kuunza Misumbu

SDA Nziyo 74

1

Dyara mangwanani, mbeu’dzo dzemutsa Dyara masikati, nemumanheru Mira kupupura, nguva yekucheka Tichafara nekuunza misumbu

Chorus

Unza misumbu, unza misumbu Tichafara nekuunza misumbu Unza misumbu, unza misumbu Tichafara nekuunza misumbu

2

Dyara mukujeka, dyara pane bvute Usatye makore, m’basa raJesu Basa richapera, minda yichachekwa Tichafara nekuunza misumbu

3

Yenda nekuchema, dyara kuna Tenzi Kana nekushaya kufadza kwedu Kuti taripedza, achachingamidza Tichafara nekuunza misumbu

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.