Kuponesa Varikufa
SDA Nziyo 76
1
Ponesa vese’wo varege kufa Muvabvise muzvavo zvitema Chemera vatadzi, nekuvaudza Kuti Jesu anovaponesa
Chorus
Ponesa vese’wo, Varikufa’yo Jesu ane mutsa, Kuponesa
2
Kana vamuramba, Arikumira Amirira vese kugashira Muvatete ivo, teta ne mutsa Asunungure vanodawira
3
Mukati mwe mwoyo yevanhu vese Zviri zvifungo’zvo zvakaigwa Itanyi ngerudo, dirira tsitsi Zvichamera kuva zvakanaka
4
Ponesa vese’vo vanhu vaJesu Tenzi anopa simba rebasa Kuvadzokesera kunzira duku Kuti muponesi wavafira
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.