Nguva Yakanaka
SDA Nziyo 89
1
Nguva’yo yekunamata, Naiyo takomborerwa, Inotipa kukumbira, Kuna Baba wekudenga, Munguva dzekutambudzwa, Mwoyo yedu yanyaradzwa, Yapukunyuka kubatwa, Ne’yo nguva yekutenda
2
Nguva’yo yekunamata , Tapinda’vo kukumbira , Kuna Iye warindira , Isu kutikomborera , Ngekuti wandidaidza , Mutsa wake ndasimbira , Vachabvisa zvakaipa , Panguva yekunamata
3
Nguva’yo yekunamata, Ndinodisa kunyaradzwa, Sepagoma’ro rePisgah, Ndoona musha kudenga, Murumuko rwekusafa, Chipo changu ndichapiwa, Ndichati apo ndakwira, Ndapinda ngekunamata
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.