Nhasi Ngatimutondere
UMC Nziyo 109
1
Nhasi ngatimutondere Uyo wakafira vese, Ari kudaidza vese Anovada zviro kwazvo.
Chorus
Uyai uyai zvino uyai zvino Uyai zvino kuna Jesu, Musamire uyai zvino Nguva yakanaka zvino.
2
Zvimwe makafamba kure Kubva nzira yakanaka, Jesu anosunungura Kuti muchitendeuka.
3
Jesu anodisa avo Vanochema nezvitadzo, Anovapa mwoyo mitsva, Anoita vana vake.
4
Tambirayi chipo chake, Munopiwa ruponeso, Tambirayi runyararo Nerufaro rwakanaka.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.