Bhaibheri

Jesu Kristu NdiM'ponesi

UMC Nziyo 124

1

Jesu kristu ndiM'ponesi Wakatida isu tese, Wakaunza ruponeso Kuti tese tiponeswe.

Chorus

Ndiri pano ndiponesei Handichadi zvakaipa, Ndoda kuva mwana wenyu Misi yese yeupenyu.

2

Jesu Kristu ndiMuponesi, Ane rudo kuvatadzi, Wonai, ari pam'chinjiko Kutifira vanyangadzi.

3

Jesu Kristu ndiMuponesi, Usagare neurombo, Uya zvino, uponeswe Kuti uve nerufaro.

4

Jesu Kristu ndiM'ponesi, Usazotya, uya hako, Kana wakatadza seyi Uya zvako uponeswe.

5

Jesu Kristu ndiM;ponesi, Kuti uchirasa zvese Zvakaipa zvako nhasi Unogara naye Jesu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.