Bhaibheri

Wagadzira Nhasi here

UMC Nziyo 128

1

Wagadzira nhasi here Nzvimbo yake M'ponesi, Yekugara mweya wake Wakakumirira zvino.

Chorus

Hunde ndine nzvimbo yake Tenzi wevatenzi vese, Mwoyo wangu ndazarura Kutambira Jesu Kristu.

2

Mwari wakatisikira Kuva imba yakugara, Anotuma Mweya M'tsvene, Kuti azogara nesu.

3

Une nzvimbo yake here, Uyo wakakununura? Apo wanga wakaraswa, Wakauya kokutsvaka.

4

Haunacho chipo, kwete, Kupa kuna Mambo wako? Asi anofadzwa kwazvo Kutambira mwoyo wako.

5

Kuti uchimukanganwa, Ungazoponeswa sei, Zvokusina rimwe zita Reungaponeswa naro?

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.