Bhaibheri

Wakanaka Uyo Musi

UMC Nziyo 130

1

Wakanaka uyo musi Wandakatenda kunaShe, Mwoyo wangu fara hako Ndinoudza vanhu vese.

Chorus

Wanaka wanaka musi wandatenda Ishe Jesu wakandidzidzisa, Kurinda nekunamata Wanaka wanaka musi wandatenda Ishe

2

Chitenderano chitsvene Chinondisunga kuna She Ngaizadzwe imba yake Nenziyo dzandinoimba.

3

Basa guru rakapera Ndiri wake ariwangu Ndinofara kumubvuma Ndikamutevera Jesu.

4

Mwoyo wangu uzorore Neichi chitenderano Rega kubva kuna Ishe Kwaari zvose zviriko.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.