Sezvandiri Ndinouya
UMC Nziyo 144
1
Sezvandiri ndinouya Ndisina chandakanatsa, Asi ndimi mandidana Ndinouya Ishe Ishe.
2
Handinonoke kubviswa Zvitadzo zvandakaita, Kwamuri munochenesa Ndinouya Ishe, Ishe.
3
Kunyange ndodzungaidzwa Namadzudzo omumwoyo, Ndichinzwa kurwa nokutya Ndinouya Ishe, Ishe.
4
Murombo, bofu razvidzwa, Ndichapona nemi chose, Ndichapfumiswa kwamuri, Ndinouya Ishe, Ishe.
5
Munozondiregerera Ndigamuchirwe, ndicheniswe, Nokuti ndokubvumai Ndinouya Ishe, Ishe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.