Apo Ndinowona Jesu Kristu
UMC Nziyo 147
1
Apo ndinowona Jesu Kristu Ari pam'chinjiko, Ndinoona mhosva dzangu dzese Ngandisunungurwe.
2
Ndinoripa neyi rudo rwenyu, Urwo makandida? Ndinounza mwoyo wangu chete, Ndicho chipo changu.
3
Kunyange ndikamupa zvinhu zvese, Hazvikwani, kwete, Ndizvo ndinouya ini pachangu Pamakumbo enyu.
4
O Jesu, ndinozviradzika Pasi mberi kwenyu, Kushandira imi nguva dzese Dzeupenyu hwangu.
5
Zvino handichadi mumwe, Tenzi, Ndinomuda Kristu, Ndizvo ndinoedza misi yese Kushandira imi.
6
Nhasi ndinotora chidyo chenyu, Chitondedzo changu, Kuti zvino ndiri munhu wenyu, Kwese ndinoenda.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.