Bhaibheri

Baba Ndinoshama

UMC Nziyo 153

1

Baba ndinoshama kwazvo Kuti ndidaidzwe ndimi, Ndakagara muzvitadzo Ndikapera kusvipiswa, Asi hamusakaramwa Makandida henyu Baba.

2

Baba, kunakayi kwenyu, Nhamburiko dzakaitwa, Kunditsvaka pasi pano, Ndakawonwa ndiri kufa, Ndikaitwa anopona, Tenzi, ndinomutevera.

3

Kuti mune basa renyu Iro ndingagona kuita, Ndingafadzwa kuriita, Handizodi mubayiro, Ndinodisa kushandira Imi chete Tenzi wangu.

4

Ndinodisa nhasi uno Kumutsvaka misi yese, Nekuteerera zvese Izvo munotaurazvo, Nekutsvaka varasiki, Tese tizogara nemi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.