Baba Wangu Ndinodisa
UMC Nziyo 158
1
Baba vangu ndinodisa Kuva wakadai ndimi, Ndinodisa mweya wangu Kuti uchigara neni.
Chorus
Munoziva nungo dzangu Munoziva zvirokwazvo, Ndiri kukumbira zvino Munandipindurawo
2
Baba, ndinodisa kwazvo Rutendeso rwakanaka, Kuti ndinotenda imi Nguva dzangu dzese dzese.
3
Baba, ndinodisa kwazvo, Kuva wakatiwa ini, Kuwonesa kune vamwe, Kuti tinodana seyi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.