Bhaibheri

Uyai Mweya Wangu Nhasi

UMC Nziyo 16

1

Uyai Mweya wangu nhasi Uimbire kuna Mwari, Ndiye Mponesi wako Wakanaka kuimbirwa

2

Anogara kumusoro, Akashonga mbiri chete, Nenyeredzi dzinopenya Kujekesa mbiri yake.

3

Mwari ane zano rese Nemasimba ese ese Ekuita zvinhu zvese, Basa rake guru kwazvo.

4

Imba, mweya wangu, zvino Rutunhidzo rwaJehova, Nerurimi rwangu ita Rukudziso kuna Mwari.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.