Rudo Chinhu Chakanaka
UMC Nziyo 191
1
Rudo chinhu chakanaka Runotenda zviro zvese, Runodisa vanhu vese Runopinda zviro zvese.
2
Rudo harutadzi irwo, Haruchazoperi, kwete, Rudo haruchazoneti, Baba wedu ndiye Rudo.
3
Rudo runotungamira Kune nzira yakanaka, Runoita zviro zvese Kuti zvive nyore izvo.
4
Rudo rune tsitsi huru Kune vanorwara vese, Runoita zvakanaka Kune vakaipa vese.
5
Rudo rwakakomba kwazvo, Rwakasvika pasi pano, Rwakatipa ruponeso, Runosvika nyika dzese.
6
Ngatiteerere Mwari, Ndiye wakatida kwazvo, Ngatimude zvirokwazvo, Ndizvo tinogara naye.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.