Zvingagova Sei Kuti
UMC Nziyo 193
1
Zvingagova sei kuti Ndisunungurwe naIshe, Ndiye wakafira ini Ndakamukonzera kufa, Chishamiso chakadini Mwari makafira ini.
2
Mashura! Mwari kufa? Mazano anoshamisa! Ngirozi dzokundikana Kunzwisisa rudo rwake. Tsitsi dzake! Ngatikudze, Ngirozi dzoshamisika.
3
Wakasiya denga rake Nenzira yengoni dzake, Wakazvidurura chose, Wakafira isu vanhu. Tsitsi dzake dzakanyanya Dzakasvikawo kwandiri.
4
Mweya wangu wakasungwa Nemajoti ezvitadzo, Ziso renyu randiona Randipenyera zvikuru. Ndakabiswawo majoti, Ndabva ndatevera imi.
5
Handitye zvino kutongwa, Jesu nezvake ndowangu, Maari ndava mupenyu, Ndaruramiswa naIshe, Ndoswedera kuna Mwari, Ndipihwe chiremba naShe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.