Mwari Wakati Handikunganwi
UMC Nziyo 204
1
Mwari wakati handikukanganwi Ndinokunangisa nguva dzesed zese, Ndinokuziva uri mwana wangu Ndinokuchengeta nekutungamira
Chorus
Handikukanganwi mwana wangu Ndinokuchengeta ndinokunangisa, Handikukanganwi kwete kwete Ndiri Baba vako uri mwana wangu.
2
Ndinoshamiswa chitsidzo chaMwari, Asi ndinotenda mazwi ake ese, Kuti ndavengwa pamsana paJesu, Ndinocherechedzwa naM'ponesi wangu.
3
Kuti ndasvika denga dzvene iko Dambudziko rangu rese razopera, Ndinomukudza uyo wakandida, Ndinomuimbira nekusingaperi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.